Psalms 22

Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo e“Nondo yamangwanani.” Pisarema raDhavhidhi.

1Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?
Sei muri kure zvakadai nokundiponesa,
kure zvakadai namashoko okugomera kwangu?
2Haiwa Mwari wangu, ndinodanidzira masikati,
asi hamundipinduri, nousiku, uye handinyarari.

3Asi imi makagadzwa saIye Mutsvene;
ndimi rumbidzo yaIsraeri.
4Madzibaba edu akavimba nemi;
vakavimba, uye mukavarwira.
5Vakachema kwamuri, vakaponeswa;
vakavimba nemi uye havana kunyadziswa.

6Asi ini ndiri honye kwete munhu,
ndinozvidzwa navanhu uye ndinoshorwa namarudzi.
7Vose vanondiona vanondiseka;
vanoshamisa miromo yavo vachindituka, vachidzungudza misoro yavo vachiti,
8“Anovimba naJehovha;
Jehovha ngaamununure.
Ngaamuponese,
sezvo achimufarira.”

9Asi ndimi makandibudisa mudumbu;
mukaita kuti ndivimbe nemi
ndichiri pachipfuva chamai vangu.
10Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri;
kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu.

11Regai kuva kure neni,
nokuti dambudziko riri pedyo
uye hakuna angabatsira.

12Hando zhinji dzakandikomba;
hando dzine simba dzeBhashani dzakandipoteredza.
13Shumba dzinoomba dzichibvambura nyama,
dzinondishamira miromo yadzo.
14Ndadururwa semvura,
uye mapfupa angu ose abva asvodogoka.
Mwoyo wangu washanduka ukava namo;
wanyungudika mukati mangu.
15Simba rangu raoma sechaenga,
uye rurimi rwangu runonamatira kumusoro kwomuromo wangu;
munondiradzika muguruva rorufu.
16Imbwa dzakandikomba;
boka ravanhu vakaipa rakandipoteredza,
vakabvoora maoko angu netsoka dzangu.
17Ndinokwanisa kuverenga mapfupa angu ose;
vanhu vanondinanʼanidza uye vanofarira kutambudzika kwangu.
18Vanogovana nguo dzangu pakati pavo
uye vanokanda mijenya nokuda kwenguo yangu.

19Asi imi, Jehovha, regai kuva kure neni;
imi simba rangu, kurumidzai kundibatsira.
20Rwirai upenyu hwangu pamunondo,
ihwo upenyu hwangu hunokosha, kubva pasimba rembwa.
21Ndinunurei pamuromo weshumba;
ndiponesei panyanga dzenyati.

22Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu;
ndichakurumbidzai paungano.
23Imi munotya Jehovha, murumbidzei!
Imi mose zvizvarwa zvaJakobho, mukudzei!
Mutyei, imi mose zvizvarwa zvaIsraeri!
24Nokuti haana kuzvidza kana kusema
chibayiro chaiye akatambudzwa;
haana kumuvanzira chiso chake,
asi akanzwa kuchemera kwake rubatsiro.

25Kwamuri ndiko kunobva dingindira rerumbidzo yangu paungano huru;
ndichazadzisa mhiko dzangu pamberi pavanokutyai.
26Varombo vachadya uye vagoguta;
vanotsvaka Jehovha vachamurumbidza,
mwoyo yenyu ngairarame nokusingaperi!

27Migumo yose yenyika
icharangarira igodzokera kuna Jehovha,
uye mhuri dzendudzi dzose
dzichapfugama pamberi pake,
28nokuti ushe ndohwaJehovha
uye anotonga pamusoro pendudzi.

29Vapfumi vose venyika vachadya
uye vachamunamata; vose vanoburukira muguruva vachapfugama pamberi pake,
navose vasingagoni kuzviraramisa.
30Vana vake vachamushumira;
zvizvarwa zvinotevera zvichaudzwa nezvaIshe.
31Vachaparidza kururama kwake
kuvanhu vasati vaberekwa,
nokuti akazviita.
Copyright information for SnaBDSC